innocent kufakunesu jari mukaranga şarkı sözleri
Unotengera Jari mukaranga ko iniwo x2
(BV Jari mukaranga) x2
Ndini ndakakubvisa (BV Jari mukaranga)
Nhamo yemugota (BV Jari mukaranga)
Chari wakanga ari murombo. Zvino wakabuda mugota waroorwa.
Sezvineiwo ndokusiya musha nemudzimai. Zvikanzi rega ndimbonoshava,
titsvage chekubata. Ndiye hutu kwave kuenda.
Chorus x2
Zvino mudzimai wakasara ukave murimi. Wakarima zvirimwa zvakawanda kwazvo. Sezvineiwo pasi pakabvuma ndikubva goho rakura kudarika zvaaitarisira. Mudzimai kwaakutora zvimwe zvezvaanga arima ndokutengesa achipihwawo mombe mbudzi makwai nezvimwe, ndokubva hupfumi hwawanda pamba pa Chari iye asipo.
Chorus x2
Chari wakadzoka kubva dhorobha, ndokusvikowana pamba pazara hupfumi hwaanga asina kushandira. Akafarakwazvo. Zvino Chari akabva atora mudzimba wechipiri. Ndiye waakatanga kutengera zvese zvinonaka nekutenga nhumbi dzekuti mukadzi ashongedze muviri wake. Amaiguru mukadzi mukuru akange ashanda kuti hupfumi huvepo vakagunun'una ndipo pavakaimba semaimbirwo anoitwa na Sarungano.

