innovative lunga kutandara şarkı sözleri

Ehe Heyo nhau yakanaka Yekukosha kwekutandara Pakati pemhuri neruzhinji rwedu Hande Kutandara kunounza mufaro mumusha (Kutandara kunounza mufaro mumusha heya) Kutandara kunoita mhuri ibatane (Kutandara kunotidzidzisa tsika dzedu) Kutandara kunokudza mafaro munyika yese (Kutandara kunobatsira mafaro awande) Ehe Mukukura kwedu Zvanga zvakakosha kugara pasi Nevakuru vedu Tichidzidza uye nekutandara Kutandara nevakuru vedu Ana Tete nana Sekuru Zvaigona kudzamisa pfungwa dzedu Nemafungiro akanaka Kutandara kunounza mufaro mumusha (Kutandara kunounza mufaro mumusha heya) Kutandara kuno kurudzirwa nguva yose (Kutandara kunobatsira mafaro awande) Ehe Zvino mazuva ano Uyo akati tinyeyi cellular phone Umwe hoyo kudzvanya iyo computer Tese takatsikitsira takatarisa pasi Ndiyani achatandara neumwe Tichadzidzira here kutandara Nekuwadzana pamwechete Umm Ameno Pafunge Tikakoshesa kugara pasi pamwechete Zvinoita tidzidze kuneumwe neumwe wedu Zvichideredza kurwisana pakati pedu Kutandara kunounza mufaro mumusha (Kutandara kunoundza mufaro mumusha heya) Kutandara kunoita mhuri ibatane (Kutandara kunotidzidzisa tsika dzedu) Kutandara kunokudza mufaro munyika yese (Kutandara kunobatsira mafaro awande) Kutandara kuno kurudzirwa nguva yose Ehe Nguva dzose Ngatitenderei kutandara nehama neshamwari Tiri pamwechete
Sanatçı: Innovative Lunga
Türü: Belirtilmemiş
Ajans/Yapımcı: Belirtilmemiş
Şarkı Süresi: 3:14
Toplam: kayıtlı şarkı sözü
Innovative Lunga hakkında bilgi girilmemiş.

Fotoğrafı