jahseed chimoto şarkı sözleri
Ndokudai mwari,Ndokudayi tenzi
Kunamata ndoda Tenzi
Asi kuchurch bodo,kwazara mapenzi
Mapastor akusvaga masenzi
Zvakawanda hazvichameka sense
Wakawanda vasvetuka fence
Dai mangoitawo cent cent
Tasati taenda kuseri
Tamira pa reverse seperi
Shungu dziri pakuwedzerwa mari ye pay
Manje tichazopavakidzana sei
Ini ndinawo kana say
Pamwe mati ndifire mujeri
Handichadi zvengano
Ndafunga kumberi sa Francis Ngannu
Chave chiutsiutsi
Changosara moto ngandu
Ndipeiwo chimoto
Ngoma nehosho
Ndepeiwo chimoto
Sando ne hoko
Ndipeiwo netsotso
Zembe rinemoto
Ndipeiwo chimoto
Ngoma nehosho
Ndepeiwo chimoto
Sando ne hoko
Ndipeiwo netsotso
Zembe rinemoto
Panogadzirwa mafuro
Hapasi pekuburitsana furo
Kudzipana pahuro
Kurovana nemheni sezvakaitwa sauro
Kukuyana nehuyo
Kesengedzana guyo
Kusimudzirana mapfumo
Kutukana netsumo
Kudakuti zvisvike kumagumo
Munhu wese arikukumbira mari
Hapana arikuti ngatibike ndhari
Ndirikuvanzwa,ukaribika richamwiwa nani
Munharaunda hapana anemari
Hazvichina kumira wadi
Tabviswa chiso tapfekedzwa worry
Hamheno kuti takamutadzireyi mwari
Hanzi tsvaga vanozvigona wani
Ndipeiwo chimoto
Ngoma nehosho
Ndepeiwo chimoto
Sando ne hoko
Ndipeiwo netsotso
Zembe rinemoto
Ndipeiwo chimoto
Ngoma nehosho
Ndepeiwo chimoto
Sando ne hoko
Ndipeiwo netsotso
Zembe rinemoto

